< 历代志上 15 >

1 大卫在大卫城为自己建造宫殿,又为 神的约柜预备地方,支搭帐幕。
Dhavhidhi paakapedza kuzvivakira dzimba muguta raDhavhidhi, akagadzira nzvimbo yainogara areka yaMwari uye akaidzikira tende.
2 那时大卫说:“除了利未人之外,无人可抬 神的约柜;因为耶和华拣选他们抬 神的约柜,且永远事奉他。”
Ipapo Dhavhidhi akati, “Hakuna munhu kunze kwavaRevhi anofanira kutakura areka yaMwari, nokuti Jehovha akavasarudza kuti vatakure areka yaJehovha uye kuti vashumire pamberi pake nokusingaperi.”
3 大卫招聚以色列众人到耶路撒冷,要将耶和华的约柜抬到他所预备的地方。
Dhavhidhi akaunganidza Israeri yose muJerusarema kuti vatore areka yaJehovha vagoiisa kunzvimbo yaakanga aigadzirira.
4 大卫又聚集亚伦的子孙和利未人。
Akaunganidza zvizvarwa zvaAroni navaRevhi:
5 哥辖子孙中有族长乌列和他的弟兄一百二十人。
kubva kuzvizvarwa zvaKohati, Urieri mutungamiri nehama dzake zana namakumi maviri;
6 米拉利子孙中有族长亚帅雅和他的弟兄二百二十人。
kubva kuzvizvarwa zvaMerari, Asaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri namakumi maviri;
7 革顺子孙中有族长约珥和他的弟兄一百三十人。
kubva kuzvizvarwa zvaGerishoni, Joere mutungamiri nehama dzake zana namakumi matatu;
8 以利撒反子孙中有族长示玛雅和他的弟兄二百人。
kubva kuzvizvarwa zvaErizafani, Shemaya mutungamiri nehama dzake mazana maviri;
9 希伯 子孙中有族长以列和他的弟兄八十人。
kubva kuzvizvarwa zvaHebhuroni, Erieri mutungamiri nehama dzake makumi masere;
10 乌薛子孙中有族长亚米拿达和他的弟兄一百一十二人。
kubva kuzvizvarwa zvaUzieri, Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
11 大卫将祭司撒督和亚比亚他,并利未人乌列、亚帅雅、约珥、示玛雅、以列、亚米拿达召来,
Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi.
12 对他们说:“你们是利未人的族长,你们和你们的弟兄应当自洁,好将耶和华—以色列 神的约柜抬到我所预备的地方。
Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzavaRevhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
13 因你们先前没有抬这约柜,按定例求问耶和华—我们的 神,所以他刑罚我们。”
Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.”
14 于是祭司利未人自洁,好将耶和华—以色列 神的约柜抬上来。
Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri.
15 利未子孙就用杠,肩抬 神的约柜,是照耶和华借摩西所吩咐的。
Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha.
16 大卫吩咐利未人的族长,派他们歌唱的弟兄用琴瑟和钹作乐,欢欢喜喜地大声歌颂。
Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira.
17 于是利未人派约珥的儿子希幔和他弟兄中比利家的儿子亚萨,并他们族弟兄米拉利子孙里古沙雅的儿子以探。
Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya;
18 其次还有他们的弟兄撒迦利雅、便雅薛、示米拉末、耶歇、乌尼、以利押、比拿雅、玛西雅、玛他提雅、以利斐利户、弥克尼雅,并守门的俄别·以东和耶利。
uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova.
19 这样,派歌唱的希幔、亚萨、以探敲铜钹,大发响声;
Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira.
20 派撒迦利雅、雅薛、示米拉末、耶歇、乌尼、以利押、玛西雅、比拿雅鼓瑟,调用女音;
Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti,
21 又派玛他提雅、以利斐利户、弥克尼雅、俄别·以东、耶利、亚撒西雅领首弹琴,调用第八。
uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti.
22 利未人的族长基拿尼雅是歌唱人的首领,又教训人歌唱,因为他精通此事。
Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
23 比利家、以利加拿是约柜前守门的。
Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka.
24 祭司示巴尼、约沙法、拿坦业、亚玛赛、撒迦利雅、比拿亚、以利以谢在 神的约柜前吹号。俄别·以东和耶希亚也是约柜前守门的。
Shebhania, Joshafati, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuo weareka.
25 于是,大卫和以色列的长老,并千夫长都去从俄别·以东的家欢欢喜喜地将耶和华的约柜抬上来。
Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhi-Edhomu, vachifara.
26 神赐恩与抬耶和华约柜的利未人,他们就献上七只公牛,七只公羊。
Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondobwe manomwe.
27 大卫和抬约柜的利未人,并歌唱人的首领基拿尼雅,以及歌唱的人,都穿着细麻布的外袍;大卫另外穿着细麻布的以弗得。
Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka.
28 这样,以色列众人欢呼吹角、吹号、敲钹、鼓瑟、弹琴,大发响声,将耶和华的约柜抬上来。
Saizvozvo vaIsraeri vose vakakwidza neareka yesungano yaJehovha vachidanidzira, uye vachiridza mimhanzi yenyanga dzamakondobwe nehwamanda namakandira, uye vachiridza mitengeranwa nembira.
29 耶和华的约柜进了大卫城的时候,扫罗的女儿米甲从窗户里观看,见大卫王踊跃跳舞,心里就轻视他。
Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mwanasikana waSauro akatarira napawindo. Uye akaona Mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba, akamushora mumwoyo make.

< 历代志上 15 >