< Genesis 34 >

1 And Dina the daughter of Lia went out to see the women of that country.
Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo.
2 And when Sichem the son of Hemor the Hevite, the prince of that land, saw her, he was in love with her: and took her away, and lay with her, ravishing the virgin.
Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamumanikidza akavata naye, uye akamunyadza.
3 And his soul was fast knit unto her, and whereas she was sad, he comforted her with sweet words.
Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro.
4 And going to Hemor his father, he said: Get me this damsel to wife.
Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.”
5 But when Jacob had heard this, his sons being absent, and employed in feeding the cattle, he held his peace till they came back.
Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba.
6 And when Hemor the father of Sichem was come out to speak to Jacob,
Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho.
7 Behold his sons came from the field: and hearing what had passed, they were exceeding angry, because he had done a foul thing in Israel, and committed an unlawful act, in ravishing Jacob’s daughter,
Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa.
8 And Hemor spoke to them: The soul of my son Sichem has a longing for your daughter: give her him to wife:
Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake.
9 And let us contract marriages one with another: give us your daughters and take you our daughters,
Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu.
10 And dwell with us: the land is at your command, till, trade, and possess it.
Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.”
11 Sichem also said to her father and to her brethren: Let me find favour in your sight: and whatsoever you shall appoint I will give.
Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda.
12 Raise the dowry, and ask gifts, and I will gladly give what you shall demand: only give me this damsel to wife.
Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.”
13 The sons of Jacob answered Sichem and his father deceitfully, being enraged at the deflowering of their sister:
Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori.
14 We cannot do what you demand, nor give our sister to one that is uncircumcised, which with us is unlawful and abominable.
Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadziso kwatiri ichocho.
15 But in this we may be allied with you, if you will be like us, and all the male sex among you be circumcised:
Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose.
16 Then will we mutually give and take your daughters, and ours: and we will dwell with you, and will be one people:
Ipapo tichakupai vanasikana vedu uye tigozvitorerawo vanasikana venyu. Tichagara pakati penyu tigova vanhu vamwe nemi.
17 But if you will not be circumcised, we will take our daughter and depart:
Asi kana musingadi kudzingiswa, isu tichatora hanzvadzi yedu tigoenda.”
18 Their offer pleased Hemor, and Sichem his son:
Kutaura kwavo kwainge kwakanaka kuna Hamori nomwanakomana wake Shekemu.
19 And the young man made no delay, but forthwith fulfilled what was required, for he loved the damsel exceedingly, and he was the greatest man in all his father’s house.
Jaya iri raikudzwa zvikuru pakati pemhuri yose yababa varo, harina kunonoka kuita zvavakareva, nokuti akanga achifadzwa nomwanasikana waJakobho.
20 And going into the gate of the city they spoke to the people:
Saka Hamori nomwanakomana wake Shekemu vakaenda kusuo reguta ravo kuti vandotaura navamwe varume vomuguta ravo.
21 These men are peaceable and willing to dwell with us: let them trade in the land, and till it, which being large and wide wanteth men to till it: we shall take their daughters for wives, and we will give them ours.
Vakati, “Vanhu ava vakanaka kwazvo kwatiri. Ngavagare munyika yedu uye vashambadzire mairi; nyika yakakura kwazvo kwavari. Tinogona kuwana vanasikana vavo uye ivo vanogona kuwana veduwo.
22 One thing there is for which so great a good is deferred: We must circumcise every male among us, following the manner of the nation.
Asi varume vachatenderana nesu kuti tive savanhu vamwe nechinhu chimwe bedzi, chokuti vanhurume vedu vadzingiswe, sezvavari ivo.
23 And their substance, and cattle, and all that they possess, shall be ours: only in this let us condescend, and by dwelling together, we shall make one people.
Ko, mombe dzavo, pfuma yavo nezvimwe zvipfuwo zvavo hazvingavi zvedu here? Saka ngatitenderanei navo, vagogara pakati pedu.”
24 And they all agreed, and circumcised all the males.
Varume vose vakabuda kusuo reguta vakabvumirana naHamori nomwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vose vomuguta vakadzingiswa.
25 And behold the third day, when the pain of the wound was greatest, two of the sons of Jacob, Simeon and Levi, the brothers of Dina, taking their swords, entered boldly into the city, and slew all the men:
Shure kwamazuva matatu, vose vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhaina, vakatora minondo yavo vakarwisa guta rakanga risina chifungidziro, vakauraya munhurume wose.
26 And they killed also Hemor and Sichem, and took away their sister Dina, out of Sichem’s house.
Vakauraya Hamori nomwanakomana wake nomunondo uye vakatora hanzvadzi yavo Dhaina kubva mumba maShekemu vakaenda.
27 And when they were gone out, the other sons of Jacob came upon the slain; and plundered the city in revenge of the rape.
Vanakomana vaJakobho vakasvika kuzvitunha vakapamba guta iro makanga masvibiswa hanzvadzi yavo.
28 And they took their sheep and their herds and their asses, wasting all they had in their houses and in the fields.
Vakatora makwai avo nemombe dzavo, mbongoro dzavo nezvose zvakanga zviri zvavo muguta uye nezvaiva musango.
29 And their children and wives they took captive,
Vakatakura pfuma yavo navakadzi vavo vose navana, vakapamba zvinhu zvose zvaiva mudzimba.
30 And when they had boldly perpetrated these things, Jacob said to Simeon and Levi: You have troubled me, and made me hateful to the Chanaanites and Pherezites, the inhabitants of this land: we are few: they will gather themselves together and kill me; and both I, and my house, shall be destroyed.
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandiparira dambudziko mukandiita chinhu chinonhuhwa kuvaKenani navaPerizi, vanhu vagere munyika muno. Tiri vashoma isu, uye kana vakandikomberana uye vakarwa neni, ini nemhuri yangu tichaparadzwa.”
31 They answered: Should they abuse our sister as a strumpet?
Asi ivo vakapindura vakati, “Zvakanaka here kuti vabate hanzvadzi yedu sechifeve?”

< Genesis 34 >