< Ezekiel 21 >

1 Yahweh’s word came to me, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Son of man, set your face toward Jerusalem, and preach toward the sanctuaries, and prophesy against the land of Israel.
“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri,
3 Tell the land of Israel, ‘Yahweh says: “Behold, I am against you, and will draw my sword out of its sheath, and will cut off from you the righteous and the wicked.
uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa.
4 Seeing then that I will cut off from you the righteous and the wicked, therefore my sword will go out of its sheath against all flesh from the south to the north.
Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro.
5 All flesh will know that I, Yahweh, have drawn my sword out of its sheath. It will not return any more.”’
Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’
6 “Therefore sigh, you son of man. You shall sigh before their eyes with a broken heart and with bitterness.
“Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu.
7 It shall be, when they ask you, ‘Why do you sigh?’ that you shall say, ‘Because of the news, for it comes! Every heart will melt, all hands will be feeble, every spirit will faint, and all knees will be weak as water. Behold, it comes, and it shall be done, says the Lord Yahweh.’”
Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
8 Yahweh’s word came to me, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
9 “Son of man, prophesy, and say, ‘Yahweh says: “A sword! A sword! It is sharpened, and also polished.
“Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa,
10 It is sharpened that it may make a slaughter. It is polished that it may be as lightning. Should we then make mirth? The rod of my son condemns every tree.
wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
11 It is given to be polished, that it may be handled. The sword is sharpened. Yes, it is polished to give it into the hand of the killer.”’
“‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa uye wakapukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
12 Cry and wail, son of man; for it is on my people. It is on all the princes of Israel. They are delivered over to the sword with my people. Therefore beat your thigh.
Chema uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva.
13 “For there is a trial. What if even the rod that condemns will be no more?” says the Lord Yahweh.
“‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
14 “You therefore, son of man, prophesy, and strike your hands together. Let the sword be doubled the third time, the sword of the fatally wounded. It is the sword of the great one who is fatally wounded, which enters into their rooms.
“Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita uye urovanise maoko ako pamwe chete. Rega munondo ubaye kaviri, kunyange katatu. Ndiwo munondo wokuuraya, iwo munondo wokuuraya kukuru, uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.
15 I have set the threatening sword against all their gates, that their heart may melt, and their stumblings be multiplied. Ah! It is made as lightning. It is pointed for slaughter.
Kuti mwoyo inyungudike uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye.
16 Gather yourselves together. Go to the right. Set yourselves in array. Go to the left, wherever your face is set.
Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera munondo wako.
17 I will also strike my hands together, and I will cause my wrath to rest. I, Yahweh, have spoken it.”
Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.”
18 Yahweh’s word came to me again, saying,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
19 “Also, you son of man, appoint two ways, that the sword of the king of Babylon may come. They both will come out of one land, and mark out a place. Mark it out at the head of the way to the city.
“Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.
20 You shall appoint a way for the sword to come to Rabbah of the children of Ammon, and to Judah in Jerusalem the fortified.
Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.
21 For the king of Babylon stood at the parting of the way, at the head of the two ways, to use divination. He shook the arrows back and forth. He consulted the teraphim. He looked in the liver.
Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.
22 In his right hand was the lot for Jerusalem, to set battering rams, to open the mouth in the slaughter, to lift up the voice with shouting, to set battering rams against the gates, to cast up mounds, and to build forts.
Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta.
23 It will be to them as a false divination in their sight, who have sworn oaths to them; but he brings iniquity to memory, that they may be taken.
Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
24 “Therefore the Lord Yahweh says: ‘Because you have caused your iniquity to be remembered, in that your transgressions are uncovered, so that in all your doings your sins appear; because you have come to memory, you will be taken with the hand.
“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
25 “‘You, deadly wounded wicked one, the prince of Israel, whose day has come, in the time of the iniquity of the end,
“‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira,
26 the Lord Yahweh says: “Remove the turban, and take off the crown. This will not be as it was. Exalt that which is low, and humble that which is high.
zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa.
27 I will overturn, overturn, overturn it. This also will be no more, until he comes whose right it is; and I will give it.”’
Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
28 “You, son of man, prophesy and say, ‘The Lord Yahweh says this concerning the children of Ammon, and concerning their reproach: “A sword! A sword is drawn! It is polished for the slaughter, to cause it to devour, that it may be as lightning;
“Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni!
29 while they see for you false visions, while they divine lies to you, to lay you on the necks of the wicked who are deadly wounded, whose day has come in the time of the iniquity of the end.
Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakavuka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakaipa vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
30 Cause it to return into its sheath. In the place where you were created, in the land of your birth, I will judge you.
Chidzosera munondo mumuhara wawo. Panzvimbo yawakasikwa uri, munyika yamadzitateguru ako, ndipo pandichakutongera.
31 I will pour out my indignation on you. I will blow on you with the fire of my wrath. I will deliver you into the hand of brutish men, skillful to destroy.
Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako, uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako; ndichakuisa kuvanhu vane utsinye, vanhu vanoziva kuparadza.
32 You will be for fuel to the fire. Your blood will be in the middle of the land. You will be remembered no more; for I, Yahweh, have spoken it.”’”
Uchava huni dzomoto, ropa rako richateurwa munyika yako, hauchazorangarirwazve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’”

< Ezekiel 21 >