< Jérémie 45 >

1 La parole que Jérémie le Prophète dit à Baruc fils de Nérija, quand il écrivait dans un livre ces paroles-là, de la bouche de Jérémie, en la quatrième année de Jéhojakim fils de Josias Roi de Juda, disant:
Izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Jeremia kuna Bharuki mwanakomana waNeria, mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shure kwokunyora kwaBharuki rugwaro rwamashoko aJeremia aakanga achimudaidzira, achiti,
2 Ainsi a dit l'Eternel, le Dieu d'Israël, touchant toi, Baruc.
“Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, kunewe Bharuki:
3 Tu as dit: malheur à moi! car l'Eternel a ajouté la tristesse à ma douleur; je me suis lassé dans mon gémissement, et je n'ai point trouvé de repos.
Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’”
4 Tu lui diras ainsi: ainsi a dit l'Eternel: voici, je m'en vais détruire ce que j'ai bâti, et arracher ce que j'ai planté, [savoir] tout ce pays-ci.
Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka uye ndichadzura zvandakasima panyika yose.
5 Et toi te chercherais-tu des grandeurs? Ne les cherche point; car voici, je m'en vais faire venir du mal sur toute chair, dit l'Eternel; mais je te donnerai ta vie pour butin, dans tous les lieux où tu iras.
Iwe ungazvitsvakira zvinhu zvikuru here? Usazvitsvaka. Nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro pavanhu vose, ndizvo zvinotaura Jehovha, asi ndichaita kuti utize noupenyu hwako kwose kwaunoenda.’”

< Jérémie 45 >