< Bhakolosai 2 >

1 Kwo kubha enenda mumenyele lwa kutyo nili na jinyako nyafu ingulu yemwe, ku bhona bhanu bhaliyo Laondikia na kubhona bhanu bhachali kubhona obhusu bhwani mu mubhili.
Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.
2 Enikola emilimu koleleki ati emioyo jebhwe jitule okusilisibhwa kwo kuletwa amwi mu kwenda na mu bhunibhi bhwona mu bhwafu bhwe chimali mu bhukumiye bhwo bhumenyi mu kuimenya imbisike ye chimali ya Nyamuanga, unu ali Kristo.
Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
3 Mu mwene omwo nimwo bhuli obhubhikilo bhwona obhwo bhwengeso no bhumenyi bhiselekelwe.
maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.
4 Enaika kutya koleleki ati omunu wona wona asiga kubhakondelesha obhulige-lige kwo bhusimusi bhwo kukongya-kongya.
Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.
5 Nolwo kutyo nitaliwo amwi nemwe mu mubhili, mbe nawe niliwo amwi nemwe mu Mwoyo. Enikondelwa okukolwa obhwitondi bhwemwe bhwe kisi na bhya managa ne likilisha lyemwe mu Kristo.
Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.
6 Lwa kutyo mwamulamiye Kristo Latabhugenyi, mulibhatilega mu mumwene.
Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,
7 Nimusimbagililega mu mwene, nimubakwega mu mwene, nimusimbagilile mu likilisha lwa kutyo mweigisibhwe, no kubhoywa mu isime nyafu.
mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.
8 Mbe nimulole ati munu wona wona asiga kubhakoma kwo bhwenge-bhwenge na masango gatalimo chona chona gali ga bhujigi -jigi okulubhana no bhusimuka bhwa bhana-munu, okulubhana no bhitondi bhwe Chalo, na atali ati okulubhana na Kristo.
Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.
9 Kulwo kubha mu mwene obhukumiye bhwona obhwa Nyamuanga bhunu bhulame mu mubhili.
Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,
10 Nemwe mwijusibhwe mu mwene. Omwene ni mutwe gwa bhuli bhuinga no bhutulo.
nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
11 Mu mwene one mwatendelwe, kwo lutendo lunu lutakolelwe na mwana-munu mu kusosibhwako omubhili na inyama, mbe nawe ni lutendo olwa Kristo.
Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,
12 Mwasikilwe amwi nage mu bhubhatijo. Na munjila ye likilisha mu mwene mwasuluywe kwo bhuinga bhwa Nyamuanga, unu amusuluye okusoka mu bhafuye.
makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.
13 Na anu mwaliga mufuye kulwe bhikayo bhyebhwe no okulema okutendwa kwe mibhili nemwe, abhakolele kubha bhaanga amwi nage no kuchisasila ebhikayo bhyeswe bhyona.
Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,
14 Asimishe obhwichukisho bhwo libhanja linu lyaliga lyandikilwe, no bhwitondi bhunu bhwaliga bhutasikene neswe. Asosisheo bhona no kubhibhambila ku musalabha.
akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.
15 Asosisheo amanaga no bhutungi. Agatee abhwelu no kugakola kubha lumula lwo bhuigi ku njila yo musalabha gwaye.
Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
16 Kulwejo, munu wona wona asiga kubhakoma emwe mu kulya amwi mu kunywa amwi okulubhana na jinsiku eja malya amwi mukubhonekana kwo kwesi, amwi mu nsiku ja isabhatho.
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.
17 Linu ni lilengesi lye misango jinu ejija, mbe nawe omunyumbu ni Kristo.
Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.
18 Omunu wona asigakusakulwa omuyelo gwaye mu kuligila no kwikeya no kulamya bhamalaika. Omunu wejabho oyo kengila mu misango jinu alolele no kukongibhwa mu meganilisho gaye ago mubhili.
Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.
19 Omwene atakugugwatilila omutwe. Ni kusoka mu mutwe ati omubhili gwona okulabha mu bhyungo bhyaye na mumawa nigugwatana no kugwatanyisibhwa amwi; no kukula kwo bhukusi bhunu obhusosibhwa na Nyamuanga.
Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.
20 Alabha mwafuye amwi na Kristo mu ntungwa je Chalo, kawoli kulwaki omulama lwa bhanu abhatongelwa ne Chalo:
Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti:
21 “Mwasiga kugwata, nolwo kuloja, nolwo kugwata”?
“Usabata! Usaravira! Usagunzva!”?
22 Ganu gona galagiliywe ingulu yo bhunyamuke bhunu obhuja no bhweselanya, okulubhana na melesho na meigisho ga bhana-munu.
Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu.
23 Ebhilagilo bhinu bhili no bhwengeso obhwa jidini jinu jikolelwe kwo kwilola no kwikeya na jinyako jo mubhili. Mbe nawe jitana bhugusi bhulambu bhitasikene na inamba yo mubhili.
Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.

< Bhakolosai 2 >