< Yakobo 1 >

1 Yakobo, omugaya wa Nyamuanga na Latabhugenyi Yesu Kristo, ku nganda ekumi nebhili jinu janyalambukile, enibhakesha.
Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.
2 Mubhale ati nibhukondelewe bhwamfu, bhana bhasu, anu omulabha mukusakwa kwa bhulimbaga,
Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,
3 mumenyati okulegejwa kwe likilisha lyemwe elibhayana okwigumisilisha.
nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
4 Musige obhwigumilisha bhukumishe emilimu jae, koleleki ati mukomele mwiimaliliye, na bhanu mutakugelukilwa chinu chonachona.
Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.
5 Nawe agati yemwe omunu akenda obhwengeso, abhusabhwe okusoka ku Nyamuanga, unu kasosha kwelyenda kubhanu bhona abhamusabhwa, na kabhayana obhwengeso.
Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
6 Nawe sabha kwelikilisha, utetimata, kulwokubha unu ketimata ali lwa likonjo mubhusibha, agagegibhwa no
Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.
7 muyaga nigeswa enu neyo. Omunu lwoyo atajakwiganilishati kalamilwa lisabhwa lyae okusoka ku Latabhugenyi;
Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;
8 omunu oyo keganilisha kabhili, atali mulengelesi munjila jae jona.
munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
9 Owasu omutaka jimwiile ekuye kwo kwimelegulu kwae ingulu,
Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
10 omwanya ogwo ogwo owasu omunibhi mu kwikeya kwae, kulwokubha alisokao lwo bhwaso bhwa mwisanga munu kalabha.
Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.
11 Lisubha eliuluka na libhilabhila lyo okusimagisha ebhiyambwa, no bhwaso obhulagala no bhukonde bhwago nibhufwa. Nikwokutyo kutyo abhanu abhanibhi bhalinyamuka agati ye milimu jebhwe.
Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.
12 Ana libhando omunu unu kekomesha mumalegejo, akamala okusinga lilegejo elyo, kalamila olutenga lwo bhuanga, inu ilagilwe kubhanu abhamwenda Nyamuanga.
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
13 Munu wona wona nasige kwaikati akalegejwa, “Lilegejo linu elisoka ku Nyamuanga,”kulwokubha Nyamuanga atakulegejwa na bhunyamuke, na Nyamuanga omwene atamulegeja wona wona.
Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;
14 Bhuli munu kalegejibhwa no kuligila kwae kubhibhi jinu ejimukongyakongya no kumusila kula.
asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
15 Niwo ikeya okuligila kwe chibhibhi nchigega olubhunda, echibhibhi echibhulwa, ne chibhibhi chikakomela munomuno, echiletelela okufwa.
Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.
16 Bhana bhasu bhendwa, mutajakujigwa.
Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
17 Bhuli chiyanwa chinu chili cha kisi na bhuli chiyanwa chinu chimile echisoka ingulu, echika emwalo okusoka ku Lata wo bhwelu. Sili sili atakuinduka lwa kutyo lilengesi eliinduka.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
18 Nyamuanga achisolele okuchiyana eswe obhuanga bhwa Ligambo lye chimali, koleleki ati chibhe kuti lwibhulo lwa kwamba agati ye bhimogwa bhyae.
Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
19 Omumenya linu, bhana bhasu bhendwa. Bhuli umwi jimwiile okubhwa mwangu wo kungwa, ataja kubha mwangu wo kuloma no kubhiililwa,
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,
20 kulwokubha ebhinyinga bhyo mwana munu bhitakutula kukola obhulengelesi bhwa Nyamuanga.
nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.
21 Kulwejo mute alela obhujabhi bhwe echibhibhi no bhunyamuke bhwona bhunu bhuli mbala jona, na kwo bhwololo mulikilishe ligambo linu lyayambilwe munda yemwe, linu lino bhutulo bhwo kuchungula emyoyo jemwe.
Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.
22 Mulikilishe ligambo, mutalyugwala, nimwijiga mumioyo jemwe abhene.
Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
23 Kulwokubha wona wona unu kalyugwa nalema okulikolela omulimu nilwakutyo omunu alelola mwilole obhusu bhwae.
Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni
24 Kesusanisha obhusu bhwae, nagenda jae aonao nalabhilwa kutyo kasusa.
uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.
25 Nawe omunu unu kalola kwo bhulengelesi ebhilagilo, echilagilo cho kufung'ama, na komela okuchilubha atali kwa injuno omwene ni mutegelesha unu kalabhilwa, omunu unu ana libhando anu kabha nakola.
Asi munhu anonyatsotarisa mumurayiro wakakwana uyo unopa rusununguko, uye achiramba achiita izvozvo, asingakanganwi zvaanzwa, asi achizviita, acharopafadzwa pane zvaanoita.
26 Ikabha omunu wona wona neganilisha omwene ati ni munu wa dini, nawe atakutula kulutangasha olulimi lwae, kagujiga omwoyo gwae na idini ya ni bhusa.
Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.
27 Idini inu iliyakisi na inu itanabhunyamke imbele ya Nyamuanga weswe na Lata ni inu: okubhasakila bhanu bhafwiliwe na bhatumba gasi munyako jebhwe, no kwibhalilila eswe mumagambo ge chalo.
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.

< Yakobo 1 >