< Ephesios 6 >

1 Filii, obedite parentibus vestris in Domino: hoc enim iustum est.
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.
2 Honora patrem tuum, et matrem tuam. quod est mandatum primum in promissione:
“Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,
3 ut bene sit tibi, et sis longaevus super terram.
“kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”
4 Et vos patres nolite ad iracundiam provocare filios vestros: sed educate illos in disciplina, et correptione Domini.
Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
5 Servi obedite dominis carnalibus cum timore, et tremore, in simplicitate cordis vestri, sicut Christo:
Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.
6 non ad oculum servientes, quasi hominibus placentes, sed ut servi Christi, facientes voluntatem Dei ex animo,
Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.
7 cum bona voluntate servientes, sicut Domino, et non hominibus:
Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,
8 scientes quoniam unusquisque quodcumque fecerit bonum, hoc recipiet a Domino, sive servus, sive liber.
nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.
9 Et vos domini eadem facite illis, remittentes minas: scientes quia et illorum, et vester Dominus est in caelis: et personarum acceptio non est apud eum.
Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.
10 De cetero fratres confortamini in Domino, et in potentia virtutis eius.
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
11 Induite vos armaturam Dei, ut possitis stare adversus insidias diaboli.
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
12 quoniam non est nobis colluctatio adversus carnem et sanguinem: sed adversus principes, et potestates, adversus mundi rectores tenebrarum harum, contra spiritualia nequitiae, in caelestibus. (aiōn g165)
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. (aiōn g165)
13 Propterea accipite armaturam Dei, ut possitis resistere in die malo, et in omnibus perfecti stare.
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
14 State ergo succincti lumbos vestros in veritate, et induti loricam iustitiae,
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,
15 et calceati pedes in praeparationem Evangelii pacis:
uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.
16 in omnibus sumentes scutum fidei, in quo possitis omnia tela nequissimi ignea extinguere:
Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.
17 et galeam salutis assumite: et gladium spiritus (quod est verbum Dei)
Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
18 per omnem orationem, et obsecrationem orantes omni tempore in spiritu: et in ipso vigilantes in omni instantia, et obsecratione pro omnibus sanctis:
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
19 et pro me, ut detur mihi sermo in apertione oris mei cum fiducia, notum facere mysterium Evangelii:
Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,
20 pro quo legatione fungor in catena ista, ita ut in ipso audeam, prout oportet me, loqui.
iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.
21 Ut autem et vos sciatis quae circa me sunt, quid agam: omnia vobis nota faciet Tychicus, charissimus frater, et fidelis minister in Domino:
Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.
22 quem misi ad vos in hoc ipsum, ut cognoscatis quae circa nos sunt, et consoletur corda vestra.
Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei.
23 Pax fratribus, et charitas cum fide a Deo Patre nostro, et Domino Iesu Christo.
Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
24 Gratia cum omnibus, qui diligunt Dominum nostrum Iesum Christum in incorruptione. Amen.
Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.

< Ephesios 6 >