< اول پادشاهان 20 >

و بنهدد، پادشاه ارام، تمامی لشکر خودرا جمع کرد، و سی و دو پادشاه و اسبان و ارابه‌ها همراهش بودند. پس برآمده، سامره رامحاصره کرد و با آن جنگ نمود. ۱ 1
Zvino Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akaunganidza varwi vake vose. Achibatsirwa namadzimambo makumi matatu namaviri vaine mabhiza avo nengoro, akaenda akakomba Samaria akarirwisa.
و رسولان نزداخاب پادشاه اسرائیل به شهر فرستاده، وی راگفت: «بنهدد چنین می‌گوید: ۲ 2
Akatuma nhume muguta kuna Ahabhu mambo weIsraeri kundoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi,
نقره تو و طلای تواز آن من است و زنان و پسران مقبول تو از آن منند.» ۳ 3
‘Sirivha yako negoridhe ndezvangu, uye vakadzi vako navana vako vakanyanyisa kunaka ndevangu.’”
و پادشاه اسرائیل در جواب گفت: «ای آقایم پادشاه! موافق کلام تو، من و هر‌چه دارم ازآن تو هستیم.» ۴ 4
Mambo weIsraeri akapindura akati, “Sezvamataura, ishe wangu mambo. Ini nezvose zvandinazvo ndiri wenyu.”
و رسولان بار دیگر آمده، گفتند: «بنهدد چنین امر فرموده، می‌گوید: به درستی که من نزد تو فرستاده، گفتم که نقره و طلا و زنان وپسران خود را به من بدهی. ۵ 5
Nhumwa dzakauya zvakare ndokusvikoti, “Zvanzi naBheni-Hadhadhi, ‘Ndakatumira shoko rokuti ndinoda sirivha yako negoridhe, navakadzi vako navana vako.
پس‌فردا قریب به این وقت، بندگان خود را نزد تو می‌فرستم تا خانه تو را و خانه بندگانت را جستجو نمایند و هر‌چه در نظر تو پسندیده است به‌دست خود گرفته، خواهند برد.» ۶ 6
Asi mangwana nenguva yakaita seino ndichatuma varanda vangu kuti vazotsvagisisa mumuzinda wako nomudzimba dzavaranda vako. Vachatora zvose zvaunokoshesa vagoenda nazvo.’”
آنگاه پادشاه اسرائیل تمامی مشایخ زمین راخوانده، گفت: «بفهمید و ببینید که این مرد چگونه بدی را می‌اندیشد، زیرا که چون به جهت زنان وپسرانم و نقره و طلایم فرستاده بود، او را انکارنکردم.» ۷ 7
Mambo weIsraeri akadana vakuru vose venyika akati kwavari, “Tarisai muone kuti murume uyu ari kutsvaga muromo sei! Paakati ari kuda kutora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu negoridhe rangu, handina kurambira.”
آنگاه جمیع مشایخ و تمامی قوم وی راگفتند: او را مشنو و قبول منما.» ۸ 8
Vakuru navanhu, vose vakapindura vakati, “Musateerera kwaari kana kubvumirana nezvaari kuda.”
پس به رسولان بنهدد گفت: «به آقایم، پادشاه بگویید: هر‌چه باراول به بنده خود فرستادی بجا خواهم آورد، امااینکار را نمی توانم کرد.» پس رسولان مراجعت کرده، جواب را به او رسانیدند. ۹ 9
Naizvozvo akapindura nhume dzaBheni-Hadhadhi akati, “Udzai ishe wangu mambo kuti, ‘Muranda wenyu achaita zvose zvamakamukumbira pakutanga, asi chikumbiro ichi chazvino handigoni kuchizadzisa.’” Vakasimuka vakaenda nemhinduro kwavakanga vabva, kuna Bheni-Hadhadhi.
آنگاه بنهدد نزدوی فرستاده، گفت: «خدایان، مثل این بلکه زیاده از این به من عمل نمایند اگر گرد سامره کفایت مشتهای همه مخلوقی را که همراه من باشندبکند.» ۱۰ 10
Saka Bheni-Hadhadhi akatumira rimwe shoko kuna Ahabhu achiti, “Vamwari ngavaitewo kwandiri, vanyanyise kudaro, kana guruva ringakwana kupa mumwe nomumwe wamauto angu kuti azadze chanza chake rikasara muSamaria.”
و پادشاه اسرائیل در جواب گفت: «وی را بگویید: آنکه اسلحه می‌پوشد مثل آنکه می‌گشاید فخر نکند.» ۱۱ 11
Mambo weIsraeri akapindura akati, “Muudzei kuti, ‘Uyo anoshonga nhumbi dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza souyo anodzibvisa.’”
و چون این جواب راشنید در حالی که او و پادشاهان در خیمه هامیگساری می‌نمودند، به بندگان خود گفت: «صف آرایی بنمایید.» پس در برابر شهرصف آرایی نمودند. ۱۲ 12
Bheni-Hadhadhi akanzwa shoko iri iye namadzimambo pavakanga vachinwa vari mumisasa, akabva arayira mauto ake akati, “Gadzirirai kundorwisa.” Saka vakagadzirira kundorwisa guta.
و اینک نبی‌ای نزد اخاب، پادشاه اسرائیل آمده، گفت: «خداوند چنین می‌گوید: آیا این گروه عظیم را می‌بینی؟ همانا من امروز آن را به‌دست تو تسلیم می‌نمایم تا بدانی که من یهوه هستم.» ۱۳ 13
Panguva iyoyo mumwe muprofita akauya kuna Ahabhu mambo weIsraeri, akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Uri kuona hondo huru huru iyi here? Ndichaiisa muruoko rwako nhasi, ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
اخاب گفت: «به واسطه که؟» او در جواب گفت: «خداوند می‌گوید به واسطه خادمان سروران کشورها.» گفت: «کیست که جنگ راشروع کند؟» جواب داد: «تو.» ۱۴ 14
Ahabhu akabvunza akati, “Asi ndiani achaita izvi?” Muprofita akapindura akati, “Zvanzi naJehovha: ‘Majaya amachinda omumatunhu ndiwo achazviita.’” Akabvunza akati, “Zvino ndiani achatanga hondo yacho?” Muprofita akapindura akati, “Ndiwe uchaitanga.”
پس خادمان سروران کشورها را سان دید که ایشان دویست وسی و دو نفر بودند و بعد از ایشان، تمامی قوم، یعنی تمامی بنی‌اسرائیل را سان دید که هفت هزار نفر بودند. ۱۵ 15
Saka Ahabhu akaunganidza majaya amachinda omumatunhu, varume vaikwana mazana maviri namakumi matatu navaviri. Mushure akaunganidza vamwe vaIsraeri, pamwe chete zviuru zvinomwe.
و در وقت ظهر بیرون رفتند و بنهدد با آن پادشاهان یعنی آن سی و سه پادشاه که مددکار اومی بودند، در خیمه‌ها به میگساری مشغول بودند. ۱۶ 16
Vakasimuka masikati, Bheni-Hadhadhi namadzimambo makumi matatu navaviri vaiva kudivi rake panguva yavakanga vari mumisasa yavo vachidhakwa.
و خادمان سروران کشورها اول بیرون رفتند وبنهدد کسان فرستاد و ایشان او را خبر داده، گفتندکه «مردمان از سامره بیرون می‌آیند.» ۱۷ 17
Majaya amachinda omumatunhu ndiwo akatanga kuenda. Zvino Bheni-Hadhadhi akanga atuma vasori uye vakamuudza kuti, “Kune varume vari kubva kuSamaria.”
او گفت: «خواه برای صلح بیرون آمده باشند، ایشان رازنده بگیرید، و خواه به جهت جنگ بیرون آمده باشند، ایشان را زنده بگیرید.» ۱۸ 18
Akati, “Kana vauya kuzotsvaga rugare, vabatei vari vapenyu; kana vauya kuzorwa, vabatei vari vapenyu.”
پس ایشان از شهر بیرون آمدند، یعنی خادمان سروران کشورها و لشکری که در عقب ایشان بود. ۱۹ 19
Majaya amachinda omumatunhu akafamba achibuda muguta varwi vari mumashure mavo
هر کس از ایشان حریف خود راکشت و ارامیان فرار کردند و اسرائیلیان ایشان راتعاقب نمودند و بنهدد پادشاه ارام بر اسب‌سوارشده، با چند سوار رهایی یافتند. ۲۰ 20
uye mumwe nomumwe wavo akauraya waakarwisana naye. VaAramu vakatiza, vaIsraeri vachivadzingirira. Asi Bheni-Hadhadhi mambo weAramu akatiza akatasva bhiza, navamwe vavarwi vake vaiva namabhiza.
و پادشاه اسرائیل بیرون رفته، سواران و ارابه‌ها را شکست داد، و ارامیان را به کشتار عظیمی کشت. ۲۱ 21
Mambo weIsraeri akabuda akakunda mabhiza nengoro, akauraya vaAramu vakawanda kwazvo.
و آن نبی نزد پادشاه اسرائیل آمده، وی راگفت: «برو و خویشتن را قوی ساز و متوجه شده، ببین که چه می‌کنی زیرا که در وقت تحویل سال، پادشاه ارام بر تو خواهد برآمد.» ۲۲ 22
Mushure maizvozvo, muprofita akauya kuna mambo weIsraeri akati, “Simbisa chinzvimbo chako ugoona zvinofanira kuitwa, nokuti muchirimo chiri kutevera mambo weAramu achakurwisa zvakare.”
و بندگان پادشاه ارام، وی را گفتند: «خدایان ایشان خدایان کوهها می‌باشند و از این سبب بر ما غالب آمدند اما اگر با ایشان درهمواری جنگ نماییم، هر آینه بر ایشان غالب خواهیم آمد. ۲۳ 23
Panguva imwe cheteyo, varanda vamambo weAramu vakati kwaari, “Vamwari vavo ndavamwari vamakomo. Ndicho chikonzero vakatikurira. Asi tikarwa navo mumapani, zvirokwazvo tichavakurira.
پس به اینطور عمل نما که هریک از پادشاهان را ازجای خود عزل کرده، به‌جای ایشان سرداران بگذار. ۲۴ 24
Itai izvi: Bvisai madzimambo ose panzvimbo dzavo dzokutonga mugovatsiva navamwe vabati.
و تو لشکری رامثل لشکری که از تو تلف شده است، اسب به‌جای اسب و ارابه به‌جای ارابه برای خود بشمارتا با ایشان در همواری جنگ نماییم و البته برایشان غالب خواهیم آمد.» پس سخن ایشان را اجابت نموده، به همین طور عمل نمود. ۲۵ 25
Munofanirawo kuzviunganidzira hondo yakafanana neyamakarasikirwa nayo, bhiza nebhiza nengoro nengoro, kuitira kuti tikwanise kurwa navaIsraeri mumapani. Ipapo zvirokwazvo tichavakurira.” Akabvumirana navo akaita saizvozvo.
و در وقت تحویل سال، بنهدد ارامیان راسان دیده، به افیق برآمد تا با اسرائیل جنگ نماید. ۲۶ 26
Muchirimo chakatevera Bheni-Hadhadhi akaunganidza vaAramu akakwidza kuAfeki kundorwa neIsraeri.
و بنی‌اسرائیل را سان دیده، زاد دادند وبه مقابله ایشان رفتند و بنی‌اسرائیل در برابر ایشان مثل دو گله کوچک بزغاله اردو زدند، اما ارامیان زمین را پر کردند. ۲۷ 27
VaIsraeri vakati vaunganidzwawo uye vapiwa zvose zvinodiwa pakurwa hondo, vakafamba vachienda kundosangana navo. VaIsraeri vakadzika musasa wavo vakatarisana navo, vachinge mapoka maduku maviri embudzi, ukuwo vaAramu vakazadza nyika.
و آن مرد خدا نزدیک آمده، پادشاه اسرائیل را خطاب کرده، گفت: «خداوندچنین می‌گوید: چونکه ارامیان می‌گویند که یهوه خدای کوههاست و خدای وادیها نیست، لهذاتمام این گروه عظیم را به‌دست تو تسلیم خواهم نمود تا بدانید که من یهوه هستم.» ۲۸ 28
Munhu waMwari akauya akaudza mambo weIsraeri kuti, “Zvanzi naJehovha: ‘Nokuda kwokuti vaAramu vanofunga kuti Jehovha ndimwari wamakomo, uye kuti haasi mwari wemipata, ndichaisa hondo huru huru iyi mumaoko ako, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’”
و اینان درمقابل آنان، هفت روز اردو زدند و در روز هفتم جنگ، با هم پیوستند و بنی‌اسرائیل صد هزارپیاده ارامیان را در یک روز کشتند. ۲۹ 29
Kwamazuva manomwe vakagara pamisasa yavo vakatarisana, uye nezuva rechinomwe hondo yakatanga. VaIsraeri vakauraya zana rezviuru zvamauto etsoka avaAramu musi mumwe chete.
و باقی ماندگان به شهر افیق فرار کردند و حصار بر بیست و هفت هزار نفر از باقی ماندگان افتاد. ۳۰ 30
Vakasara vakatizira kuguta reAfeki, uko kwakandowira rusvingo pamusoro pezviuru makumi maviri nezvinomwe zvavo. Uye Bheni-Hadhadhi akatizira kuguta akandohwanda muimba yomukati.
و بندگانش وی را گفتند: «هماناشنیده‌ایم که پادشاهان خاندان اسرائیل، پادشاهان حلیم می‌باشند، پس بر کمر خود پلاس و بر سر خود ریسمانها ببندیم و نزد پادشاه اسرائیل بیرون رویم شاید که جان تو را زنده نگاه دارد. ۳۱ 31
Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri ane tsitsi. Ngatiendei kuna mambo weIsraeri takasungirira masaga muzviuno zvedu, uye takasunga misoro yedu netambo. Zvichida angakuregai muri mupenyu.”
و پلاس بر کمرهای خود و ریسمانها برسر خود بسته، نزد پادشاه اسرائیل آمده، گفتند: «بنده تو، بنهدد می‌گوید: تمنا اینکه جانم زنده بماند.» او جواب داد: «آیا او تا حال زنده است؟ او برادر من می‌باشد.» ۳۲ 32
Vakasungirira masaga muzviuno zvavo vakasunga misoro yavo netambo, vakabva vaenda kuna mambo weIsraeri vakasvikoti, “Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi ati, ‘Ndapota, dai mangondirega ndararama.’” Mambo akapindura akati, “Achiri mupenyu nazvino? Ihama yangu.”
پس آن مردان تفال نموده، آن را به زودی از دهان وی گرفتند وگفتند: «برادر تو بنهدد!» پس او گفت: «بروید و اورا بیاورید.» و چون بنهدد نزد او بیرون آمد، او رابر ارابه خود سوار کرد. ۳۳ 33
Varume ava vakazviona sechiratidzo chakanaka ndokukurumidza kutevedzera zvaakanga areva. Vakati, “Hongu, hama yenyu Bheni-Hadhadhi!” Mambo akati, “Endai munomutora.” Bheni-Hadhadhi akati achibuda, Ahabhu akamukwidza mungoro yake.
و (بنهدد) وی را گفت: «شهرهایی را که پدر من از پدر تو گرفت، پس می‌دهم و برای خود در دمشق کوچه‌ها بساز، چنانکه پدر من در سامره ساخت.» (در جواب گفت ): «من تو را به این عهد رها می‌کنم.» پس با اوعهد بست و او را رها کرد. ۳۴ 34
Bheni-Hadhadhi akati kwaari, “Ndichadzosera maguta akatorwa nababa vangu kuna baba vako. Unogonawo kuisa misika yako muDhamasiko, sezvakaitwa nababa vangu muSamaria.” Ahabhu akati, “Nokuda kwechibvumirano ichi, ndichakusunungura.” Saka akaita chibvumirano naye, akamurega achienda.
و مردی از پسران انبیا به فرمان خداوند به رفیق خود گفت: «مرا بزن.» اما آن مرد از زدنش ابانمود. ۳۵ 35
Mumwe wavanakomana vavaprofita arayirwa naJehovha, akati kushamwari yake, “Ndirove!” asi murume uyu akaramba.
و او وی را گفت: «چونکه آواز خداوندرا نشنیدی همانا چون از نزد من بروی شیری تو راخواهد کشت.» پس چون از نزد وی رفته بود، شیری او را یافته، کشت. ۳۶ 36
Naizvozvo muprofita akati, “Zvausina kuteerera Jehovha, uchingobva pano pandiri, uchaurayiwa neshumba.” Zvino murume uyu achangobva paakanga ari, shumba yakamuwana ikamuuraya.
و او شخصی دیگر راپیدا کرده، گفت: «مرا بزن.» و آن مرد او را ضربتی زده، مجروح ساخت. ۳۷ 37
Muprofita akawana mumwe murume akati, “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume uyu akamurova, akamukuvadza.
پس آن نبی رفته، به‌سرراه منتظر پادشاه ایستاد، و عصابه خود را برچشمان خود کشیده، خویشتن را متنکر نمود. ۳۸ 38
Ipapo muprofita akaenda akandomirira mambo pamugwagwa. Akazviita somumwe munhu akakwevera pasi mucheka wake womusoro kuti uvharidzire maziso ake.
و چون پادشاه درگذر می‌بود او به پادشاه ندا درداد و گفت که «بنده تو به میان جنگ رفت و اینک شخصی میل کرده، کسی را نزد من آورد و گفت: این مرد را نگاه دار و اگر مفقود شود جان تو به عوض جان او خواهد بود یا یک وزنه نقره خواهی داد. ۳۹ 39
Mambo paakanga ava kupfuura nepo muprofita akadanidzira kwaari akati, “Muranda wenyu akaenda pakatikati pehondo payakanga ichirwiwa, mumwe munhu akauya kwandiri nomusungwa akati, ‘Chengeta murume uyu. Kana akashayikwa upenyu hwako huchatsiva hwake, kana kuti ucharipa netarenda resirivha.’
و چون بنده تو اینجا و آنجا مشغول می‌بود او غایب شد.» پس پادشاه اسرائیل وی راگفت: «حکم تو چنین است. خودت فتوی دادی.» ۴۰ 40
Muranda wenyu paakanga ari mubishi rokuita basa pano nekoko, murume uya akanyangarika.” Mambo weIsraeri akati, “Iwoyo ndiwo mutongo wako. Ndiwe wautaura woga.”
پس به زودی عصابه را از چشمان خودبرداشت و پادشاه اسرائیل او را شناخت که یکی از انبیاست. ۴۱ 41
Ipapo muprofita akakurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo weIsraeri akabva amuziva kuti aiva mumwe wavaprofita.
او وی را گفت: «خداوند چنین می‌گوید: چون تو مردی را که من به هلاکت سپرده بودم از دست خود رها کردی، جان تو به عوض جان او و قوم تو به عوض قوم او خواهند بود.» ۴۲ 42
Akati kuna mambo, “Zvanzi naJehovha: ‘Wakasunungura munhu wandakanga ndati anofanira kufa. Naizvozvo upenyu hwako huchatsiva hwake, vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’”
پس پادشاه اسرائیل پریشان حال و مغموم شده، به خانه خود رفت و به سامره داخل شد. ۴۳ 43
Mambo weIsraeri akaenda kumuzinda wake muSamaria aora mwoyo uye ashatirwa.

< اول پادشاهان 20 >