< 2 Мојсијева 1 >

1 Ово су имена синова Израиљевих који дођоше у Мисир, дођоше с Јаковом, сваки са својом породицом:
Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:
2 Рувим, Симеун, Левије и Јуда,
Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;
3 Исахар, Завулон и Венијамин,
Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;
4 Дан и Нефталим, Гад и Асир.
Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.
5 А свега беше их од бедара Јаковљевих седамдесет душа с Јосифом, који беше у Мисиру.
Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.
6 А Јосиф умре и сва браћа његова и сав онај нараштај.
Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,
7 И синови Израиљеви народише се и умножише се, и напредоваше и осилише веома, да их се земља напуни.
asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.
8 Тада наста нов цар у Мисиру, који не знаше за Јосифа;
Ipapo mambo mutsva, akanga asingazivi nezvaJosefa, akatanga kutonga muIjipiti.
9 И рече народу свом: Гле, народ синова Израиљевих већи је и силнији од нас.
Akati kuvanhu vake, “Tarirai, vaIsraeri vanyanya kuwanda kwazvo.
10 Него хајде мудро да поступамо с њима, да се не множе, и кад настане рат да не пристану с непријатељима нашим и не ударе на нас и не оду из земље.
Uyai tivafungire zano nokuti vangazonyanya kuwanda uye kana hondo ikamuka, vangazobatana navavengi vedu, vakarwa nesu vakazobva munyika.”
11 И поставише над њима настојнике да их муче тешким пословима; и грађаше народ Израиљев Фараону градове Питом и Рамесу.
Saka vakagadza vatariri vebasa pamusoro pavo kuti vavadzvinyirire nebasa rechibharo, uye vakavaka Pitomu neRamesesi kuti ave maguta amatura aFaro.
12 Али што га више мучаху то се више множаше и напредоваше, да се грожаху од синова Израиљевих.
Asi pavakanyanya kudzvinyirirwa ndipo pavakanyanya kuwanda uye nokupararira; saka vaIjipita vakasvika pakutya vaIsraeri
13 И жестоко нагоњаху Мисирци синове Израиљеве на послове,
uye vakavashandisa zvino utsinye.
14 И загорчаваху им живот тешким пословима, блатом и опекама и сваким радом у пољу, и сваким другим послом, на који их жестоко нагоњаху.
Vakashungurudza upenyu hwavo nebasa rakaoma rezvidhina nedhaka uye nemhando dzose dzebasa romuminda; vaIjipita vakavashandisa noutsinye mubasa rakaoma.
15 И још заповеди цар мисирски бабицама јеврејским, од којих једној беше име Сефора, а другој Фува,
Mambo weIjipiti akati kuna vananyamukuta vechiHebheru vainzi Shifura naPua,
16 И рече: Кад бабичите Јеврејке, и у порођају видите да је мушко, убијте га, а кад буде женско, нек остане живо.
“Pamunobatsira vakadzi vechiHebheru pakusununguka uye mukavacherechedza vachisununguka, kana ari mukomana, mumuuraye; kana ari musikana murege ari mupenyu.”
17 Али се бабице бојаху Бога, и не чињаху како им рече цар мисирски, него остављаху децу у животу.
Asi, vananyamukuta vakanga vachitya Mwari, uye havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti kuti vaite; vakarega vanakomana vari vapenyu.
18 А цар мисирски дозва бабице, и рече им: Зашто то чините, те остављате у животу мушку децу?
Ipapo mambo weIjipiti akadana vananyamukuta akavabvunza achiti, “Seiko maita izvi? Seiko marega vana vechikomana vari vapenyu?”
19 А бабице рекоше Фараону: Јеврејке нису као жене Мисирке; јаче су; док им дође бабица, оне већ роде.
Vananyamukuta vakapindura Faro vachiti, “Vakadzi vechiHebheru havana kufanana navakadzi veIjipiti; vane simba uye vanosununguka vananyamukuta vasati vasvika.”
20 И Бог учини добро бабицама; и народ се умножи и осили веома;
Saka Mwari akaitira vananyamukuta zvakanaka uye vanhu vakawedzerwa vakava vazhinji kwazvo.
21 И што се бабице бојаху Бога, начини им куће.
Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo.
22 Тада заповеди Фараон свему народу свом говорећи: Сваког сина који се роди баците у воду, а кћери све остављајте у животу.
Ipapo Faro akarayira vanhu vose kuti, “Vanakomana vose vanoberekwa munofanira kuvakanda murwizi Nairi, asi murege vanasikana vose vari vapenyu.”

< 2 Мојсијева 1 >