< 2 Makoronike 1 >

1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye uye akamuita kuti ave mukuru kwazvo.
ダビデの子ソロモン堅くその國にたてりその神ヱホバこれとともに在して之を甚だ大ならしめたまひき
2 Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri,
茲にソロモン、イスラエルの一切の人々すなはち千人の長百人の長裁判人ならびにイスラエルの全地の諸の牧伯等宗家の長などに告る所あり
3 uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga ragadzirwa naMozisi muranda waMwari murenje.
而してソロモンおよび全會衆ともにギベオンなる崇邱に往りヱホバの僕モーセが荒野にて作りたる神の集會の幕屋かしこにあればなり
4 Zvino Dhavhidhi akanga auyisa areka yaMwari kubva kuKiriati Jearimi kunzvimbo yaakanga aigadzirira nokuti akanga aidzikira tende muJerusarema.
されど神の契約の櫃はダビデすでにキリアテヤリムよりこれが爲に備へたる處に携へ上れりダビデ曩にヱルサレムにて之が爲に幕屋を張まうけたりき
5 Asi aritari yendarira yakanga yagadzirwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iri muGibheoni pamberi peTabhenakeri yaJehovha; saka Soromoni neungano vakandomubvunza ipapo.
またホルの子ウリの子なるベザレルが作りたる銅の壇彼處においてヱホバの幕屋の前にありソロモンおよび會衆これに就きて求む
6 Soromoni akakwira kuaritari yendarira pamberi paJehovha muTende Rokusangana akandobayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru pairi.
即ちソロモン彼處に上りゆき集會の幕屋の中にあるヱホバの前なる銅の壇に就き燔祭一千を其上に献げたり
7 Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.”
その夜神ソロモンに顯れてこれに言たまひけるは我なんぢに何を與ふべきか求めよ
8 Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo.
ソロモン神に申しけるは汝は我父ダビデに大なる恩惠をほどこし又我をして彼に代りて王とならしめたまへり
9 Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika.
今ヱホバ神よ願くは我父ダビデに宣ひし事を堅うしたまへ其は汝地の塵のごとき衆多の民の上に我を王となしたまへばなり
10 Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”
我が此民の前に出入することを得んために今我に智慧と智識とを與へたまへ斯のごとき大なる汝の民を誰か鞫きえんや
11 Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo,
神ソロモンに言たまひけるは此事なんぢの心にあり汝は富有をも財寶をも尊貴をも汝を惡む者の生命をも求めずまた壽長からんことをも求めず惟智慧と智識とを己のためにもとめて我が汝を王となしたる我民を鞫かんとすれば
12 naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”
智慧と智識は已に汝に授かれり我また汝の前の王等の未だ得たること有ざる程の富有と財寳と尊貴とを汝に與へん汝の後の者もまた是のごときを得ざるべし
13 Ipapo Soromoni akaenda kuJerusarema achibva kunzvimbo yakakwirira paGibheoni, kubva paTende Rokusangana. Uye akatonga Israeri.
斯てソロモンはギベオンの崇邱を去り集會の幕屋の前を去りてヱルサレムに歸りイスラエルを治めたり
14 Soromoni akazviunganidzira ngoro namabhiza; aiva nengoro chiuru namazana mana, nezviuru gumi nezviviri zvamabhiza, zvaaichengetera mumaguta engoro uye nokuJerusarema kwaaivawo.
ソロモン戰車と騎兵とを集めしに戰車一千四百輛騎兵一萬二千人ありきソロモンこれを戰車の邑々に置き又ヱルサレムにて王の所に置り
15 Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zviwanikwe kwose kwose muJerusarema samatombo uye misidhari ikawanda semionde mujinga mezvikomo.
王銀と金とを石のごとくヱルサレムに多からしめまた香柏を平野の桑樹のごとく多からしめたり
16 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe, vatengi vamambo vaitenga kubva kuKuwe.
ソロモンの有る馬は皆エジプトよりひききたれり王の商買一群一群となして之を取いだし群ごとに價金をはらへり
17 Vaitenga ngoro imwe chete kubva kuIjipiti ichiita mashekeri mazana matanhatu esirivha uye bhiza rimwe chete richiita mashekeri zana namakumi mashanu. Ivo vaizoatengeserawo kumadzimambo ose avaHiti navaAramu.
エジプトより取いだして携へ上る戰車一輛は銀六百馬一匹は百五十なりき是のごとくヘテ人の諸の王等およびスリアの王等のためにもその手をもて取いだせり

< 2 Makoronike 1 >