< Jeremia 46 >

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi:
ख़ुदावन्द का कलाम जो यरमियाह नबी पर क़ौमों के बारे में नाज़िल हुआ।
2 Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha:
मिस्र के बारे में शाह — ए — मिस्र फ़िर'औन निकोह की फ़ौज के बारे में जो दरिया — ए — फ़रात के किनारे पर करकिमीस में थी, जिसको शाह — ए — बाबुल नबूकदनज़र ने शाह — ए — यहूदाह यहूयक़ीम — बिन — यूसियाह के चौथे बरस में शिकस्त दी:
3 “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa!
सिपर और ढाल को तैयार करो, और लड़ाई पर चले आओ।
4 Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai panzvimbo yenyu makapfeka nguwani! Rodzai mapfumo enyu, pfekai nguo dzenyu dzokurwa!
घोड़ों पर साज़ लगाओ; ऐ सवारो, तुम सवार हो और ख़ोद पहनकर निकलो, नेज़ों को सैक़ल करो, बक्तर पहिनो!
5 Ndinooneiko? Vavhundutswa, vari kudzokera shure, mhare dzavo dzakundwa. Vari kutiza nokukurumidza vasingacheuki, uye pano kutya kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
मैं उनको घबराए हुए क्यूँ देखता हूँ? वह पलट गए; उनके बहादुरों ने शिकस्त खाई, वह भाग निकले और पीछे फिरकर नहीं देखते क्यूँकि चारों तरफ़ खौफ़ है ख़ुदावन्द फ़रमाता है।
6 Vanogona kumhanya havangatizi, uye vakasimba havangapunyuki. Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi vanogumburwa vagowa.
न सुबुकपा भागने पाएगा, न बहादुर बच निकलेगा; उत्तर में दरिया — ए — फ़रात के किनारे उन्होंने ठोकर खाई और गिर पड़े।
7 Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi, senzizi dzamapopopo emvura?
'यह कौन है जो दरिया-ए-नील की तरह बढ़ा चला आता है, जिसका पानी सैलाब की तरह मौजज़न है?
8 Ijipiti yazara seNairi, senzizi dzamapopopo. Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika; ndichaparadza maguta navanhu vawo.”
मिस्र दरिया-ए-नील की तरह उठता है, और उसका पानी सैलाब की तरह मौजज़न है; और वह कहता है, 'मैं चढ़ूँगा और ज़मीन को छिपा लूँगा मैं शहरों को और उनके बशिन्दों को हलाक कर दूँगा।
9 Virimai, imi mabhiza! Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro! Fambirai mberi, imi mhare, varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo, varume veRidhia vanowembura uta.
घोड़े बरअन्गेख़ता हों, रथ हवा हो जाएँ, और कूश — ओ — फ़ूत के बहादुर जो सिपरबरदार हैं, और लूदी जो कमानकशी और तीरअन्दाज़ी में माहिर हैं, निकलें।
10 Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.
क्यूँकि यह ख़ुदावन्द रब्ब — उल — अफ़वाज का दिन, या'नी इन्तक़ाम का रोज़ है, ताकि वह अपने दुश्मनों से इन्तक़ाम ले। इसलिए तलवार खा जाएगी और सेर होगी, और उनके ख़ून से मस्त होगी; क्यूँकि ख़ुदावन्द रब्ब — उल — अफ़वाज के लिए उत्तरी सरज़मीन में दरिया — ए — फ़रात के किनारे एक ज़बीहा है।
11 “Kwidza kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana Mhandara yeIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.
ऐ कुँवारी दुख़्तर — ए — मिस्र, जिल'आद को चढ़ जा और बलसान ले, तू बे — फ़ायदा तरह तरह की दवाएँ इस्ते'माल करती है तू शिफ़ा न पाएगी।
12 Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
क़ौमों ने तेरी रुस्वाई का हाल सुना, और ज़मीन तेरी फ़रियाद से मा'मूर हो गई, क्यूँकि बहादुर एक दूसरे से टकराकर एक साथ गिर गए।
13 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti:
वह कलाम जो ख़ुदावन्द ने यरमियाह नबी को शाह — ए — बाबुल नबूकदनज़र के आने और मुल्क — ए — मिस्र को शिकस्त देने के बारे में फ़रमाया:
14 “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paNofi neTapanesi muchiti: ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
मिस्र में आशकारा करो, मिजदाल में इश्तिहार दो; हाँ, नूफ़ और तहफ़नहीस में 'ऐलान करो; कहो कि 'अपने आपको तैयार कर; क्यूँकि तलवार तेरी चारों तरफ़ खाये जाती है।
15 Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.
तेरे बहादुर क्यूँ भाग गए? वह खड़े न रह सके, क्यूँकि ख़ुदावन्द ने उनको गिरा दिया।
16 Vacharamba vachingogumburwa; vachawa mumwe nomumwe pamusoro pomumwe. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’
उसने बहुतों को गुमराह किया, हाँ, वह एक दूसरे पर गिर पड़े; और उन्होंने कहा, 'उठो, हम मुहलिक तलवार के ज़ुल्म से अपने लोगों में और अपने वतन को फिर जाएँ।
17 Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’
वह वहाँ चिल्लाए कि 'शाह — ए — मिस्र फ़िर'औन बर्बाद हुआ; उसने मुक़र्ररा वक़्त को गुज़र जाने दिया।
18 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.
'वह बादशाह, जिसका नाम रब्ब — उल — अफ़वाज है, यूँ फ़रमाता है कि मुझे अपनी हयात की क़सम, जैसा तबूर पहाड़ों में और जैसा कर्मिल समन्दर के किनारे है, वैसा ही वह आएगा।
19 Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Nofi richaitwa dongo, uye richava dongo risina anogaramo.
ऐ बेटी, जो मिस्र में रहती है ग़ुलामी में जाने का सामान कर; क्यूँकि नूफ़ वीरान और भसम होगा, उसमें कोई बसने वाला न रहेगा।
20 “Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro.
“मिस्र बहुत ख़ूबसूरत बछिया है; लेकिन उत्तर से तबाही आती है, बल्कि आ पहुँची।
21 Varwi vanorwa kuti varipirwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachatendeuka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri panzvimbo yavo, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, nguva yokurangwa kwavo.
उसके मज़दूर सिपाही भी उसके बीच मोटे बछड़ों की तरह हैं; लेकिन वह भी शुमार हुए, वह इकट्ठे भागे, वह खड़े न रह सके; क्यूँकि उनकी हलाकत का दिन उन पर आ गया, उनकी सज़ा का वक़्त आ पहुँचा।
22 Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namatemo, savarume vanotema miti.
'वह साँप की तरह चिलचिलाएगी; क्यूँकि वह फ़ौज लेकर चढ़ाई करेंगे, और कुल्हाड़े लेकर लकड़हारों की तरह उस पर चढ़ आएँगे।
23 Vachatemera sango raro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapindiki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.
वह उसका जंगल काट डालेंगे, अगरचे वह ऐसा घना है कि कोई उसमें से गुज़र नहीं सकता ख़ुदावन्द फ़रमाता है क्यूँकि वह टिड्डियों से ज़्यादा बल्कि बेशुमार हैं।
24 Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”
दुख़्तर — ए — मिस्र रुस्वा होगी, वह उत्तरी लोगों के हवाले की जाएगी।”
25 Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.
रब्ब — उल — अफ़वाज, इस्राईल का ख़ुदा, फ़रमाता है: देख, मैं आमून — ए — नो को, और फ़िर'औन और मिस्र और उसके मा'बूदों, और उसके बादशाहों को; या'नी फ़िर'औन और उनको जो उस पर भरोसा रखते हैं, सज़ा दूँगा;
26 Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
और मैं उनको उनके जानी दुश्मनों, और शाह — ए — बाबुल नबूकदनज़र और उसके मुलाज़िमों के हवाले कर दूँगा; लेकिन इसके बाद वह फिर ऐसी आबाद होगी, जैसी अगले दिनों में थी, ख़ुदावन्द फ़रमाता है।
27 “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, nezvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.
लेकिन मेरे ख़ादिम या'क़ूब, हिरासाँ न हो; और ऐ इस्राईल, घबरा न जा; क्यूँकि देख, मैं तुझे दूर से, और तेरी औलाद को उनकी ग़ुलामी की ज़मीन से रिहाई दूँगा; और या'क़ूब वापस आएगा और आराम — ओ — राहत से रहेगा, और कोई उसे न डराएगा।
28 Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”
ऐ मेरे ख़ादिम या'क़ूब, हिरासाँ न हो, ख़ुदावन्द फ़रमाता है; क्यूँकि मैं तेरे साथ हूँ। अगरचे मैं उन सब क़ौमों को जिनमें मैंने तुझे हाँक दिया, हलाक — ओ — बर्बाद करूँ तों भी मै तुझे हलाक — ओ — बर्बाद न करूँगा; बल्कि मुनासिब तम्बीह करूँगा और हरगिज़ बे — सज़ा न छोड़ूँगा।

< Jeremia 46 >