< Mako 3 >

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.
And he entered again into a synagogue; and there was a man there having a withered hand;
2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.
and they watched him, whether he would heal him on the sabbath, that they might accuse him.
3 Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”
And he saith to the man having the withered hand, Stand up in the midst.
4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.
And he saith to them, Is it lawful to do good on the sabbath, or to do evil? to save life, or to kill? But they were silent.
5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
And looking round on them with anger, being grieved for the hardness of their hearts, he saith to the man, Stretch forth thy hand. And he stretched it forth; and his hand was restored.
6 Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
And the Pharisees went forth, and immediately had a consultation with the Herodians against him, how they might destroy him.
7 Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.
And Jesus withdrew with his disciples to the lake; and a great multitude from Galilee, and from Judaea followed;
8 Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.
and from Jerusalem, and from Idumaea, and from beyond the Jordan, and the people about Tyre and Sidon, a great multitude, when they heard what great things he was doing, came to him.
9 Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.
And he gave direction to his disciples, that a boat should be in readiness for him because of the multitude, that they might not throng him.
10 Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.
For he had healed many, so that as many as had plagues pressed upon him to touch him.
11 Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”
And the unclean spirits, when they saw him, fell down before him, and cried out, saying, Thou art the Son of God.
12 Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani.
And he strictly charged them that they should not make him known.
13 Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya.
And he goeth up into the mountain, and calleth to him whom he would; and they came to him.
14 Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza
And he appointed twelve to be with him, and whom he might send forth to preach,
15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.
and to have authority to cast out demons. And he appointed the twelve,
16 Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro),
and Simon he surnamed Peter;
17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira),
and James the son of Zebedee, and John the brother of James; and he surnamed them Boanerges, that is, Sons of thunder;
18 Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Tadheo, Simoni muZeroti
and Andrew, and Philip, and Bartholomew, and Matthew, and Thomas, and James the son of Alphaeus, and Thaddaeus, and Simon of Cana,
19 naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.
and Judas Iscariot, who betrayed him. And he cometh into the house.
20 Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.
And again a multitude cometh together, so that they could not so much as eat bread.
21 Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
And his relations hearing of it went out to lay hold of him; for they said, He is beside himself.
22 Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”
And the scribes who came down from Jerusalem said, He hath Beelzebul; and, He casteth out the demons through the prince of the demons.
23 Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?
And calling them to him, he said to them in parables: How can Satan cast out Satan?
24 Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.
And if a kingdom be divided against itself, that kingdom cannot stand;
25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.
and if a house be divided against itself, that house will not be able to stand;
26 Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.
and if Satan rise up against himself, he is divided, and cannot stand, but hath an end.
27 Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
Moreover, no one can enter into a strong man's house, and plunder his goods, unless he first bind the strong man; and then he will plunder his house.
28 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
Truly do I say to you, All sins will be forgiven the sons of men, and the blasphemies wherewith they shall blaspheme;
29 Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” (aiōn g165, aiōnios g166)
but he that shall blaspheme against the Holy Spirit hath no forgiveness forever, but is exposed to everlasting sin.— (aiōn g165, aiōnios g166)
30 Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
Because they said, He hath an unclean spirit.
31 Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.
And his mother and his brothers came; and, standing without, sent to him, to call him.
32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.”
And a multitude was sitting about him; and they say to him, Lo! thy mother and thy brothers and thy sisters are without, seeking for thee.
33 Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?”
And he answering saith to them, Who is my mother, and my brothers?
34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu!
And looking round on those who sat about him, he saith, Behold my mother and my brothers.
35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”
Whoever shall do the will of God, he is my brother, and sister, and mother.

< Mako 3 >