< Mapisarema 14 >

1 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Benzi rinoti mumwoyo maro, “Hakuna Mwari.” Vakaora, mabasa avo akashata; hakuna anoita zvakanaka. 2 Jehovha ari kudenga anotarira pasi pamusoro pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, naani zvake anotsvaka Mwari. 3 Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakasvibiswa; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. 4 Ko, vaiti vezvakaipa havadzidziwo here, ivo vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Jehovha? 5 Pavari ipapo, vakazara nokutya, nokuti Mwari ari paungano yavakarurama. 6 Imi vaiti vezvakaipa, munokanganisa urongwa hwavarombo, asi Jehovha ndiye utiziro hwavo. 7 Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwaibuda muZioni! Kana Jehovha achidzosazve nhaka yavanhu vake, Jakobho ngaapembere uye Israeri ngaafare.

< Mapisarema 14 >