< VaHebheru 9 >

1 Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yakange ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.
Тако и први завет имаше правду богомољства и светињу земаљску.
2 Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.
Јер скинија беше начињена прва, у којој беше свећњак и трпеза и постављени хлебови, што се зове светиња.
3 Zvino seri kwevheiri rechipiri kwakange kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,
А за другим завесом беше скинија, која се зове светиња над светињама,
4 yakange ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yakange yakanamwa nhivi dzese negoridhe, maiva nehari yegoridhe yakange ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemaheandefa esungano;
Која имаше златну кадионицу, и ковчег завета окован свуда златом, у коме беше златан суд с маном, и палица Аронова, која се беше омладила, и плоче завета.
5 nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira nzvimbo yetsitsi; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.
А више њега беху херувими славе, који осењаваху олтар; о чему се не може сад говорити редом.
6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzese mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;
А кад ово беше тако уређено, улажаху свештеници свагда у прву скинију и савршиваху службу Божију.
7 asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari ega kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;
А у другу улажаше једном у години сам поглавар свештенички, не без крви, коју приноси за себе и за народна незнања.
8 Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yakange isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;
Овим показиваше Дух Свети да се још није отворио пут светих, докле прва скинија стоји;
9 yakange iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvese zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana iye anoshumira;
Која остаде прилика за садашње време, у које се приносе дари и жртве, и не могу да се сврше по савести оног који служи.
10 zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvikira panguva yekururamisa.
Осим у јелима и пићима, и различном умивању и правдању тела, које је постављено до времена поправљења.
11 Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,
Али дошавши Христос, поглавар свештенички добара која ће доћи, кроз бољу и савршенију скинију, која није руком грађена, то јест, није овог створења,
12 uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi. (aiōnios g166)
Ни с крвљу јарчијом, нити телећом, него кроз своју крв уђе једном у светињу, и нађе вечни откуп. (aiōnios g166)
13 Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi, nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,
Јер ако крв јунчија и јарчија, и пепео јуничин, покропивши њом опогањене, освећује на телесну чистоту;
14 zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu? (aiōnios g166)
А камоли неће крв Христа, који Духом Светим себе принесе без кривице Богу, очистити савест нашу од мртвих дела, да служимо Богу Живом и Истинитом? (aiōnios g166)
15 Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi. (aiōnios g166)
И зато је новом завету посредник, да кроз смрт, која би за откуп од преступака у првом завету, обећање вечног наследства приме звани. (aiōnios g166)
16 Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.
Јер где је завет ваља да буде и смрт оног који чини завет.
17 Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.
Јер је завет по смрти потврђен: будући да нема никакве силе док је жив онај који га је начинио.
18 Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.
Јер ни први није утврђен без крви.
19 Nokuti zviga zvese zvakati zvataurwa kuvanhu vese naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku, nehisopi, akasasa zvese bhuku pacharo nevanhu vese,
Јер кад Мојсије изговори све заповести по закону свом народу, онда узе крви јарчије и телеће, с водом и вуном црвеном и исопом, те покропи и књигу и сав народ.
20 achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.
Говорећи: Ово је крв завета који Бог начини с вама.
21 Saizvozvowo wakasasa neropa zvese tabhenakeri nemidziyo yese yekushumira.
А тако и скинију и све судове службене покропи крвљу.
22 Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.
И готово све се крвљу чисти по закону, и без проливања крви не бива опроштење.
23 Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.
Тако је требало да се обличја небеских овима чисте, а сама небеска бољим жртвама од ових.
24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekerwe isu pachiso chaMwari;
Јер Христос не уђе у рукотворену светињу, која је прилика праве, него у само небо, да се покаже сад пред лицем Божијим за нас;
25 uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;
Нити да много пута приноси себе, као што поглавар свештенички улази у светињу сваке године с крвљу туђом:
26 dai zvakange zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene. (aiōn g165)
Иначе би Он морао много пута страдати од постања света; а сад једном на свршетку века јави се да својом жртвом сатре грех. (aiōn g165)
27 Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;
И као што је људима одређено једном умрети, а потом суд:
28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazvinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.
Тако се и Христос једном принесе, да узме многих грехе; а другом ће се јавити без греха на спасење онима који Га чекају.

< VaHebheru 9 >