< Tito 1 >

1 Pauro, muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekuziva chokwadi chiri pakunamata Mwari,
Од Павла, слуге Божјег, а апостола Исуса Христа по вери изабраних Божјих и по познању истине побожности,
2 patariro yeupenyu husingaperi, uhwo Mwari asingagoni kureva nhema hwaakavimbisa nhambo dzenguva dzisati dzavapo, (aiōnios g166)
За наду вечног живота, који обећа нелажни Бог пре времена вечних, (aiōnios g166)
3 asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake nekuparidza kwakaiswa mumaoko angu zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
А јави у времена своја реч своју проповедањем, које је мени поверено по заповести Спаситеља нашег Бога,
4 kuna Tito, mwana wangu chaiye zvichienderana nerutendo rwatinodyidzana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
Титу, правом сину по вери нас обојице, благодат, милост, мир од Бога Оца и Господа Исуса Христа, Спаса нашег.
5 Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvakasara, uye ugadze vatariri muguta rega-rega, sezvandakakuraira ini;
Зато те оставих у Криту да поправиш шта је недовршено, и да поставиш по свим градовима свештенике, као што ти ја заповедих,
6 kana aripo asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, ane vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yekusazvidzora, kana kusateerera.
Ако је ко без мане, једне жене муж, и има верну децу, коју не коре за курварство или за непокорност.
7 Nokuti mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, semuchengeti weimba waMwari; asina mukundo, asingakurumidzi kutsamwa, asiri muraradzi, asiri murwi, asingakariri fuma yakaipa,
Јер владика треба да је без мане, као Божји пристав; не који себи угађа, не гневљив, не пијаница, не бојац, не лаком на погани добитак;
8 asi anofarira kugamuchira vaenzi, anoda zvakanaka, anozvidzora, wakarurama, mutsvene, anozvibata,
Него гостољубив, благ, поштен, праведан, свет, чист;
9 anobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, uye kupwisa vakakavari.
Који се држи верне речи по науци, да буде кадар и саветовати са здравом науком, и покарати оне који се противе.
10 Nokuti vazhinjiwo varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyengeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
Јер има много непослушних, празноговорљивих, и умом преварених, а особито који су из обрезања,
11 vanofanira kudzivira miromo yavo; vanopidigura misha yese, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri, nekuda kwefuma yakaipa.
Којима треба уста затворити; који целе куће изопачују учећи шта не треба, поганог добитка ради.
12 Umwe pakati pavo, anova muporofita wavo pachavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
А рече неко од њих, њихов пророк: Крићани свагда лажљиви, зли зверови, беспослени трбуси.
13 Uchapupu uhu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvakasimba, kuti vagwinye parutendo,
Сведочанство је ово истинито; заради тог узрока карај их без штеђења, да буду здрави у вери,
14 vasingateereri ngano dzeVaJudha nemirairo yevanhu vanofuratira chokwadi.
Не слушајући јеврејске гаталице ни заповести људи који се одвраћају од истине.
15 Kune vakachena zvinhu zvese zvakachena; asi kune vakasvibiswa nevasingatendi hakuna chakachena, asi kufunga kwavowo nehana zvakasvibiswa.
Чистима је све чисто; а поганима и невернима ништа није чисто, него је опогањен њихов и ум и савест.
16 Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, vari vanyangadzi nevasingateereri uye vasingabatsiri pabasa rese rakanaka.
Говоре да познају Бога, а делима Га се одричу; јер су мрски и непослушни, и ни за какво добро дело ваљани.

< Tito 1 >