< От Луки святое благовествование 16 >

1 Глаголаше же ко учеником Своим: человек некий бе богат, иже имяше приставника: и той оклеветан бысть к нему, яко расточает имения его:
Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake.
2 и пригласив его рече ему: что се слышу о тебе? Воздаждь ответ о приставлении домовнем: не возможеши бо ктому дому строити.
Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri.
3 Рече же в себе приставник дому: что сотворю, яко господь мой отемлет строение дому от мене? Копати не могу, просити стыжуся:
Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.
4 разумех, что сотворю, да егда отставлен буду от строения дому, приимут мя в домы своя.
Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
5 И призвав единаго когождо от должник господина своего, глаголаше первому: колицем должен еси господину моему?
Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavakange vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?
6 Он же рече: сто мер масла. И рече ему: приими писание твое, и сед скоро напиши пятьдесят.
Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.
7 Потом же рече другому: ты же колицем должен еси? Он же рече: сто мер пшеницы. И глагола ему: приими писание твое, и напиши осмьдесят.
Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
8 И похвали господь дому строителя неправеднаго, яко мудре сотвори: яко сынове века сего мудрейши паче сынов света в роде своем суть. (aiōn g165)
Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza. (aiōn g165)
9 И Аз вам глаголю: сотворите себе други от мамоны неправды, да, егда оскудеете, приимут вы в вечныя кровы. (aiōnios g166)
Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi. (aiōnios g166)
10 Верный в мале, и во мнозе верен есть: и неправедный в мале, и во мнозе неправеден есть.
Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru.
11 Аще убо в неправеднем имении верни не бысте, во истиннем кто вам веру имет?
Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi?
12 И аще в чужем верни не бысте, ваше кто вам даст?
Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu?
13 Ни кий же раб может двема господинома работати: ибо или единаго возненавидит, а другаго возлюбит: или единаго держится, о друзем же нерадети начнет: не можете Богу работати и мамоне.
Hakuna muranda anogona kubatira madzitenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.
14 Слышаху же сия вся и фарисее, сребролюбцы суще, ругахуся Ему.
Zvino neVaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvese, vakamuseka.
15 И рече им: вы есте оправдающе себе пред человеки, Бог же весть сердца ваша: яко, еже есть в человецех высоко, мерзость есть пред Богом.
Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.
16 Закон и пророцы до Иоанна: оттоле Царствие Божие благовествуется, и всяк в не нудится.
Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri.
17 Удобее же есть небу и земли прейти, неже от закона единей черте погибнути.
Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.
18 Всяк пущаяй жену свою и приводя ину прелюбы деет: и женяйся пущеною от мужа прелюбы творит.
Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe.
19 Человек же некий бе богат, и облачашеся в порфиру и виссон, веселяся на вся дни светло.
Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ese.
20 Нищь же бе некто, именем Лазарь, иже лежаше пред враты его гноен
Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,
21 и желаше насытитися от крупиц падающих от трапезы богатаго: но и пси приходяще облизаху гной его.
uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
22 Бысть же умрети нищему и несену быти Ангелы на лоно Авраамле: умре же и богатый, и погребоша его:
Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama; mufumi akafawo, akavigwa.
23 и во аде возвед очи свои, сый в муках, узре Авраама издалеча, и Лазаря на лоне его: (Hadēs g86)
Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake. (Hadēs g86)
24 и той возглашь рече: отче Аврааме, помилуй мя и посли Лазаря, да омочит конец перста своего в воде и устудит язык мой, яко стражду во пламени сем.
Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.
25 Рече же Авраам: чадо, помяни, яко восприял еси благая твоя в животе твоем, и Лазарь такожде злая: ныне же зде утешается, ты же страждеши:
Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.
26 и над всеми сими между нами и вами пропасть велика утвердися, яко да хотящии прейти отсюду к вам не возмогут, ни иже оттуду, к нам преходят.
Uye pamusoro peizvi zvese, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.
27 Рече же: молю тя убо, отче, да послеши его в дом отца моего:
Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
28 имам бо пять братий: яко да засвидетелствует им, да не и тии приидут на место сие мучения.
nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.
29 Глагола ему Авраам: имут Моисеа и пророки: да послушают их.
Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.
30 Он же рече: ни, отче Аврааме: но аще кто от мертвых идет к ним, покаются.
Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.
31 Рече же ему: аще Моисеа и пророков не послушают, и аще кто от мертвых воскреснет, не имут веры.
Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.

< От Луки святое благовествование 16 >